Genesisi 2:1-4
Genesisi 2:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose. Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose. Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita. Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa.
Genesisi 2:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Denga nenyika zvikapera saizvozvo, nouzhinji hwazvo. Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita. Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari. Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga
Genesisi 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uku ndiko kupera kwakaita kusikwa kwedenga napasi nezvinhu zvose zvirimo. Musi wechinomwe Mwari akanga apedza basa rake raakaita. Akazorora musi wechinomwe pabasa rose raaiita, akasabata basa. Mwari akakomborera zuva rechinomwe akarieresa nokuti pazuva irori Mwari akazorora pabasa rake rose raakaita rokusika. Iyi ndiyo nhoroondo yokusikwa kwakaitwa denga napasi. Mwari Tenzi panguva yaakasika nyika nedenga
Genesisi 2:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ƌeŋga nenyika ɀikapera saiɀoɀo, noʋuzhinji bgaɀo. Mŋari akapedza ɓasa rake raakaita nomusi wecinomŋe; akazorora nomusi wecinomŋe paɓasa rake rose raakaita. Mŋari akaropafadza musi wecinomŋe, akauita mutȿene; nokuti wakazorora nawo paɓasa rake rose, raakaŋga asika nokuita iye Mŋari. Ndiko kuʋamba kweɗeŋga nenyika, musi waɀakasikwa: Nezuʋa irero Jehova Mŋari raakasika naro nyika neɗeŋga
Genesisi 2:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)