Genesisi 2:18-22
Genesisi 2:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.” Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo. Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye. Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu.
Genesisi 2:18-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” Zvino Jehovha Mwari akanga aumba kubva muvhu, mhuka dzose dzesango neshiri dzose dzedenga. Akazviuyisa kumunhu kuti aone kuti achazvitumidza mazita api, uye chisikwa chipenyu chimwe nechimwe sezvachakatumidzwa nomunhu, ndiro rakava zita racho. Saka munhu akatumidza mazita kuzvipfuwo zvose, nokushiri dzose dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi kuna Adhamu kwakanga kusina kuwanikwa mubatsiri akamukwanira. Saka Jehovha Mwari akaita kuti munhu avate hope huru; uye paakanga achakavata, akatora rumwe rumbabvu rwomunhu akavhara nenyama nzvimbo yaakarubvisa. Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.
Genesisi 2:18-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari akatizve, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo. Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashaikwa mubatsiri akamukwanira iye munhu. Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu.
Genesisi 2:18-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.” Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo. Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye. Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu.
Genesisi 2:18-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari akati ɀe. Haɀina‐kunaka kuti munhu agare ari woga; ndicamuitira muɓatsiri wakamukwanira. Jehova Mŋari akaʋumba nevu mhuka dzose dzesaŋgo, neshiri dzose dzeɗeŋga, akadziisa kumunhu kuti aʋone kuti ucadzitumidza mazita api; ɀipenyu ɀose seɀaɀakatumidzwa nomunhu, ndiwo akaʋa mazita aɀo. Munhu akatumidza ɀipfuwo ɀose mazita, neshiri dzeɗeŋga, nemhuka dzose dzesaŋgo; asi kwakashaikwa muɓatsiri wakamukwanira iye munhu. Ipapo Jehova Mŋari wakaʋatisa munhu hope huru, akaʋata; akatora rumbabvu rwake rumŋe, akadziʋira nyama panɀimbo yarwo. Norumbabvu urwo Jehova Mŋari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu.