Genesisi 20:6-7
Genesisi 20:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akati kwaari pakurota, “Hongu, ndinoziva kuti wakaita chinhu ichi nomwoyo wakarurama, ndikakudzivisawo kuti urege kunditadzira; naizvozvo handina kukutendera kumubata. Saka zvino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muporofita; iye achakunyengeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uzive kuti uchafa zvirokwazvo, iwe navose vari vako.”
Genesisi 20:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate. Zvino chidzosera mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita, uye achakunyengeterera urarame. Asi kana usina kumudzosa, uzive kuti iwe navose vari vako muchafa.”
Genesisi 20:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akamutaurira mukurota ikoku achiti, “Ndinozviziva zvangu kuti wakazviita mukusaziva pasina chakaipa chawaimbofunga mumwoyo mako. Ndini ndakaita kuti urege kunditadzira, saka ndisina kukubvumidza kumbomugunzva zvako. Zvino chidzorera mukadzi womuridzi. Murume wake achakunamatira ugorarama nokuti muporofita. Asi kana ukarega kumudzorera, chinyatsoziva zvako kuti ndokufa kwawava kuita uku, iwe navanhu vako vose.”
Genesisi 20:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akati kwaari pakurota: Hoŋo, ndinoziʋa kuti wakaita cinhu ici nomŋoyo wakarurama, ndikakudziʋisa ʋo kuti urege kunditadzira; naiɀoɀo handina‐kukutendera kumuɓata. Saka ɀino dzosa mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita; iye ucakunyeŋgeterera, kuti urarame; kana ukasamudzosa, uziʋe kuti ucafa ɀirokwaɀo, iwe naʋose ʋari ʋako.
Genesisi 20:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)