Genesisi 27:39-40
Genesisi 27:39-40 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Baba vake Isaka vakamupindura vakati, “Ugaro hwako huchava kure nepfuma yenyika, kure nedova rokudenga kumusoro. Iwe uchararama nomunondo uye uchashumira mununʼuna wako. Asi paunenge woshaya zororo uchabvisa joko rake kubva pamutsipa wako.”
Genesisi 27:39-40 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Isaka baba vake, akapindura akati kwaari, “Tarira, ugaro hwako uchava kure namafuta enyika, kure nedova rokudenga rinobva kumusoro; uchararama nomunondo wako, uchashumira mun'una wako; uchati kana wozvimutsa iwe, uchavhuna joko rake ribve pamutsipa wako.”
Genesisi 27:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Baba vake Isaki ndokuti, “Musha wako uchava kure noupfumi hwenyika, uri kure kure nedova rinobva kumusoro kudenga. Zvokubatirana mapfumo navamwe vako, ndohuchagara huri upenyu hwako. Uchava muranda womunun'una wako. Asi paanongokuti tupfunu chete uchatyora joko rake pamutsipa wako.”
Genesisi 27:39-40 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Isaka ɓaɓa ʋake, akapindura, akati kwaari: Tarira, ʋugaro bgako ʋucaʋa kure namafuta enyika, Kure neɗoʋa rokuɗeŋga rinobva kumsoro; Ucararama nomunondo wako, ucashumira munuŋuna wako; Ucati kana woɀimutsa iwe, Ucavuna joko rake ribve pamutsipa wako.
Genesisi 27:39-40 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)