Genesisi 3:13-15
Genesisi 3:13-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.” Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi, “Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose, kupfuura mhuka dzose dzesango! Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Uye ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi; achapwanya musoro wako, uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Genesisi 3:13-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko icho chawakaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yakandinyengera, ndikadya.” Jehovha Mwari akati kunyoka, “Zvawaita izvozvo, watukwa kupfuura mhuka dzose dzesango; uchafamba nedumbu rako, uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”
Genesisi 3:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.” Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti, “Pamusana pezvawaita izvozvi, wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose nemhuka dzose dzesango. Uchafamba nedumbu rako uchidya guruva, upenyu hwako hwose. Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Genesisi 3:13-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova Mŋari akati kumukadzi: Cinyiko ico cawaita? Mukadzi akati: Nyoka yakandinyeŋgera, ndikadya. Jehova Mŋari akati kunyoka: Ɀawaita iɀoɀo, watukwa kupfuʋura ɀipfuwo ɀose, nokupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo; ucafamba neɗumbu rako, ucadya guruʋa mazuʋa ose oʋupenyu bgako. Ndicaisa ruʋeŋgo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake; irwo rucapxanya musoro wako, newe ucapxanya citsitsinho carwo.
Genesisi 3:13-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)