Genesisi 3:16-19
Genesisi 3:16-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.” Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’ “Ivhu ratukwa nokuda kwako; mukushanda kunorwadza, uchadya zvibereko zvaro mazuva ose oupenyu hwako. Richakuberekera minzwa norukato, uye uchadya miriwo yomusango. Neziya rechiso chako uchadya zvokudya zvako kusvikira wadzokera kuguruva, sezvo wakatorwa kwariri; nokuti uri guruva, kuguruva uchadzokera.”
Genesisi 3:16-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.” Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako; ichakuberekera minzwa norukato, iwe uchadya miriwo yomusango; uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’ ”
Genesisi 3:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.” Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose. Nyika ichamera minzwa norukato. Iwe uchadya zvokudya zvomusango. Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.”
Genesisi 3:16-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kumukadzi akati: Ndicawanza ɀikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako; ucaɓereka ʋana ucirwadziwa; kuɗa kwako kucaʋa kumurume wako, iye ucaʋa ishe wako. Kumunhu akati: Ɀawakaterera inzwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndiciti: Usaudya, ɀino nyika yatukwa nemhoȿa yako; ucadya ɀiɓereko ɀayo nokutambudzika mazuʋa ose oʋupenyu bgako; icakuɓerekera minzwa noʋutumbambeʋa; iwe ucadya miriʋo yomusaŋgo; ucadya ɀokudya ɀako neziya reciso cako kuȿikira ucidzokera kuvu; nokuti wakatorwa kwariri. Ɀauri guruʋa, ucadzokera ɀe kuguruʋa.
Genesisi 3:16-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)