Genesisi 49:8-9
Genesisi 49:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iwe Juda, ucarumbidzwa nehama dzako; Ruʋoko rwako rucaʋa pamitsipa yaʋaʋeŋgi ʋako, Ʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋacakotamira pamberi pako. Juda mŋana weshumba; Iwe mŋanakomana waŋgu, wakwira ucibva paneɀakaʋurawa; Wakakotama, wakanyaŋga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa?
Genesisi 49:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri. Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa?
Genesisi 49:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako. Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa?
Genesisi 49:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako. Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira, vana vababa vako vachakugwadamira. Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa.
Genesisi 49:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)