Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 8:1-22

Genesisi 8:1-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika, uye pazuva regumi namanomwe romwedzi wechinomwe, areka yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichiserera kusvikira pamwedzi wegumi, uye pazuva rokutanga romwedzi wegumi misoro yamakomo yakatanga kuonekwa. Shure kwamazuva makumi mana, Noa akazarura windo raakanga aita muareka, uye akatuma gunguo, uye rakaramba richibhururuka kuno nokoko kusvikira mvura yapwa panyika. Ipapo akatuma njiva kuti aone kana mvura yakanga yaserera kubva pamusoro penyika. Asi njiva haina kuwana nzvimbo yokumhara nokuti mvura yakanga iri pose pose; saka yakadzokera kuna Noa muareka. Akatambanudza ruoko rwake akadzorera njiva muareka maaiva. Akarindira kwamamwezve mazuva manomwe uye akabudisazve njiva muareka. Njiva yakati yadzokera kwaari panguva yamanheru, onei heyo mumuromo mayo yakaruma shizha nyoro rakatanhwa pamuorivhi! Ipapo Noa akaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. Akamirirazve kwamamwe mazuva manomwe uye akabudisazve njiva, asi panguva iyi haina kuzodzoka kwaari. Pazuva rokutanga romwedzi wokutanga wegore ramazana matanhatu nerimwe aNoa, mvura yakanga yapwa panyika. Ipapo Noa akabvisa chifukidziro cheareka akaona kuti pamusoro penyika pakanga paoma. Pazuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yaoma kwazvo. Ipapo Mwari akati kuna Noa, “Budai muareka, iwe nomukadzi wako navanakomana vako navakadzi vavo. Budisa mhando dzose dzezvisikwa zvipenyu zvaunazvo, shiri, mhuka nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika, kuitira kuti zvibereke uye zvive zvizhinji pamusoro payo.” Saka Noa akabuda, pamwe chete navanakomana vake nomukadzi wake uye navakadzi vavanakomana vake. Mhuka dzose nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika neshiri dzose, zvinhu zvose zvinofamba panyika, zvakabuda muareka, rudzi ruchitevera rumwe. Ipapo Noa akavakira Jehovha aritari, uye akatora dzimwe dzemhuka dzose dzakanaka neshiri dzakanaka, akabayira zvipiriso zvinopiswa pamusoro payo. Jehovha akanzwa kunhuhwira kwakanaka akati mumwoyo make, “Handichazotukazve nyika nokuda kwomunhu, kunyange hazvo kufunga kwomwoyo wake kwakaipa kubva pakuberekwa kwake. Uye handichazoparadzazve zvisikwa zvipenyu zvose, sezvandakaita. “Kana nyika ichingovapo, nguva dzokudyara nedzokukohwa, kutonhora nokupisa, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingatongogumi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 8

Genesisi 8:1-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Mwari wakarangarira Noa nezvipenyu zvose, nezvipfuwo zvose zvakanga zviri muareka naye; Mwari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindo edenga akazarirwa, nemvura yakabva kudenga ikadziviswa, mvura ikaramba ichidzoka panyika; mazuva ane zana namakumi mashanu akati apfuura, mvura ikaderera. Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi namanomwe romwedzi, areka ikamira pamusoro pamakomo eArarati. Mvura ikaramba ichiderera kusvikira pamwedzi wegumi; nomwedzi wegumi, nezuva rokutanga romwedzi misoro yamakomo ikaonekwa. Mazuva ana makumi mana akati apfuura, Noa akazarura windo reareka raakanga aita; akabudisa gunguo, iro rikaramba richibhururuka-bhururuka kusvikira mvura yapwa panyika. Ipapo akabhururutsa njiva paakanga ari, kuti aone kana mvura yaserera panyika; asi njiva haina kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakanga iri pamusoro penyika yose; akatambanudza ruoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. Ipapo akagara mamwe mazuva manomwezve, akabudisazve njiva paareka; njiva ikapinda kwaari madekwana; onei mumuromo mayo makanga muine rushizha rwomuorivhi rwakatanhwa; naizvozvo Noa wakaziva kuti mvura yakanga yaserera panyika. Akagarazve mazuva manomwe, akabudisazve njiva; iyo haina kudzokerazve kwaari. Pagore ramazana matanhatu nerimwe, pamwedzi wokutanga, nomusi wokutanga womwedzi, mvura yakanga yapwa panyika; ipapo Noa akabvisa denga reareka, akatarira, onei pasi pose paoma. Nomwedzi wechipiri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, nyika yakanga yaoma. Zvino Mwari wakataura naNoa akati, “Budai muareka, iwe, nomukadzi wako, navanakomana vako, navakadzi vavanakomana vako, pamwechete newe. Budisawo pamwechete newe zvipenyu zvose zvenyama zvinewe, zvinoti, shiri, nezvipfuwo, nezvinokambaira zvose, nezvinokambaira panyika, kuti zviwande panyika, zvibereke, zvive zvizhinji panyika.” Ipapo Noa akabuda, iye navanakomana vake, nomukadzi wake, navakadzi vavanakomana vake pamwechete naye; nemhuka dzose, nezvinokambaira zvose, neshiri dzose, nezvose zvinofamba panyika, namarudzi azvo, zvakabuda paareka. Noa akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari. Jehovha akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehovha akati mumwoyo make, “Handichazotukizve nyika nokuda kwomunhu; nokuti kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake; handichazorovizve zvipenyu zvose, sezvandakaita. Nguva yose yenyika kudyara nokucheka, kutonhora nokudziya, zhizha nechando, masikati nousiku hazvingagumi.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 8

Genesisi 8:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera. Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa, mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera. Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati. Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa. Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira. Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika. Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika. Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava. Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava. Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika. Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari. Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa. Pazuva rechimakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yanyatsoti gwa kuoma. Mwari akataurira Nowa kuti, “Chibuda zvako mungarava iwe nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako. Ubudewo nezvinhu zvipenyu zvose zvaunazvo zvinoti, mhuka dzose neshiri nezvipfuwo nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi, zviite zararira kuwanda panyika, zviberekane zviwande panyika.” Saka Nowa nomudzimai wake navanakomana vake navaroora vake vakabuda. Mhuka dzose nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi neshiri dzose nezvose zvinofamba panyika zvakabuda mungarava zviri mhando nemhando. Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari. Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo. “Kana pasi richiripo, mwaka wokudyara nowokukohwa, wokutonhora nowokudziya, wezhizha nowechando, nguva yamasikati nousiku, zvichagara zviripo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 8

Genesisi 8:1-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Genesisi 8:1-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Mŋari wakaraŋgarira Noa neɀipenyu ɀose, neɀipfuwo ɀose ɀakaŋga ɀiri muareka naye; Mŋari akafambisa mhepo panyika, mvura ikaserera, namatsime apakadzika namawindi eɗeŋga akazarirwa, nemvura yakabva kuɗeŋga ikadziʋiswa, mvura ikaramba icidzoka panyika; mazuʋa anezana namakumi mashanu akati apfuʋura, mvura ikaɗerera. Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi namanomŋe romŋedzi, areka ikamira pamsoro pamakomo eArarati. Mvura ikaramba iciɗerera kuȿikira pamŋedzi wegumi; nomŋedzi wegumi, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi misoro yamakomo ikaʋonekwa. Mazuʋa anamakumi manna akati apfuʋura, Noa akazarura windi reareka raakaŋga aita; akaɓuɗisa guŋguʋu, iro rikaramba ricibururukabururuka kuȿikira mvura yapxa panyika. Ipapo akabururusa njiʋa paakaŋga ari, kuti aʋone kana mvura yaserera panyika; asi njiʋa haina‐kuwana pokuzorodza rutsoka rwayo, ikadzokera kwaari kuareka, nokuti mvura yakaŋga iri pamsoro penyika yose; akatambanudza ruʋoko rwake, akaitora, akaipinza kwaari muareka. Ipapo akagara mamŋe mazuʋa manomŋe ɀe, akaɓuɗisa ɀe njiʋa paareka; njiʋa ikapinda kwaari maɗekwana; ʋonei mumuromo mayo makaŋga munorushizha rwomuorivi rwakatanhwa; naiɀoɀo Noa wakaziʋa kuti mvura yakaŋga yaserera panyika. Akagara ɀe mazuʋa manomŋe, akaɓuɗisa ɀe njiʋa; iyo haina‐kudzokera ɀe kwaari. Pagore ramazana matanhatu nerimŋe, pamŋedzi wokutaŋga, nomusi wokutaŋga womŋedzi, mvura yakaŋga yapxa panyika; ipapo Noa akabvisa ɗeŋga reareka, akatarira, ʋonei pasi pose pawoma. Nomŋedzi wecipiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namanomŋe romŋedzi, nyika yakaŋga yawoma. Ɀino Mŋari wakataura naNoa, akati: Ƃuɗai muareka, iwe, nomukadzi wako, naʋanakomana ʋako, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋako, pamŋe cete newe. Ƃuɗisa ʋo pamŋe cete newe ɀipenyu ɀose ɀenyama ɀinewe, ɀinoti, shiri, neɀipfuwo, neɀinokambaira ɀose, neɀinokambaira panyika, kuti ɀiwande panyika, ɀiɓereke, ɀiʋe ɀizhinji panyika. Ipapo Noa akaɓuɗa, iye naʋanakomana ʋake, nomukadzi wake, naʋakadzi ʋaʋanakomana ʋake pamŋe cete naye; nemhuka dzose, neɀinokambaira ɀose, neshiri dzose, neɀose ɀinofamba panyika, namarudzi aɀo, ɀakaɓuɗa paareka. Noa akaʋakira Jehova artari, akatora dzimŋe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira ɀipiriso ɀinopiswa paartari. Jehova akanzwa kunhuwira kwakanaka, Jehova akati mumŋoyo make: Handicazotuki ɀe nyika nokuɗa kwomunhu; nokuti kufuŋga kwomŋoyo womunhu kwakaipa kubva paʋuɗuku bgake; handicazoroʋi ɀe ɀipenyu ɀose, seɀandakaita. Ŋguʋa yose yenyika kudɀara nokuceka, kutonhora nokudziya, zhezha necando, masikati noʋusiku haɀiŋgagumi.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 8