Hagai 1:5-6
Hagai 1:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Fungisisai pamusoro penzira dzenyu. Makakusha zvizhinji, asi mukacheka zvishoma. Munodya, asi hamuguti. Munonwa, asi hamugundwi. Munopfeka nhumbi, asi hamudziyirwi. Munoshandira mubayiro, kuti muuise chete muhomwe ina maburi.”
Hagai 1:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino zvanzi naJehovha wehondo, “Cherekedzai zvamakaita. Makakusha zvizhinji, asi makacheka zvishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamugungwi; munofuka, asi hakuna unodziyirwa; unobatira mubayiro unobatira kuti azvichengete muhombodo yakabvooka.”
Hagai 1:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, chimbofungaiwo mumwoyo menyu kuti zviri kukufambirai sei. “Inga makadyara zvakawanda wani asi mukakohwa tushomanani, munodya zvenyu asi kuguta hamuguti, kunwa munonwa asi nyota yenyu haiperi; munopfeka asi hamudziirwi. Anotambira mubayiro nokusevenza kwake anotambirira kuuisa muhomwe yakabooka.
Hagai 1:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ɀanzi naJehova wehondo: Cerekedzai ɀamakaita. Makakusha ɀizhinji, asi makaceka ɀishoma; munodya, asi hamuguti; munonwa, asi hamuguŋgwi; munofuka, asi hakunaunodziyirwa; unoɓatira muɓairo unoɓatira kuti aɀiceŋgete muhomboɗo yakabvoʋoka.
Hagai 1:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)