Hagai 1:8-9
Hagai 1:8-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kwirai kumakomo, mundouya namatanda muvake imba, kuti ini ndiifarire ndigokudzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Makatarisira kuwana zvizhinji, asi tarirai, zvakazova zvishoma. Zvamakauya nazvo kumusha, ndakazvifuridzira kure. Nemhaka yeiko?” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Nemhaka yeimba yangu, yaramba ichingova dongo, asi mumwe nomumwe wenyu achishingairira imba yake.
Hagai 1:8-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kwirai mugomo, muuye namatanda, muvake imba iyi; ini ndichaifarira, uye ini ndichakudzwa ndizvo zvinotaura Jehovha. “Makafunga kuwana zvizhinji, tarirai, zvakangoita zvishoma; makati mazviisa kumusha, ini ndikafuridzira pamusoro pazvo. Nemhaka yeiko? Ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Nemhaka yeimba yangu riri dongo, mumwe nomumwe wenyu achimhanyira kumba kwake.
Hagai 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Endai kumakomo mundotora mapango muvake imba iyoyi, ndichafadzwa nayo uye ndicharumbidzwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi. “Maitarisira kuva namaguta asi twakawanikwa twacho twushomanani. Pamakatwuunza kumusha, ini ndakatwupupurutsa. Pamusana peiko? Ndiwo mubvunzo una Tenzi wehondo nehondo. Chikonzero ndechokuti Temberi yangu inongova dongo zvaro mumwe nomumwe wenyu achimhanya mhanya nezvemba yake.
Hagai 1:8-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kwirai mugomo, muʋuye namatanda, muʋake imba iyi; ini ndicaifarira, ʋuye ini ndicakudzwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Makafuŋga kuwana ɀizhinji, tarirai, ɀakaŋgoita ɀishoma; makati maɀiisa kumusha, ini ndikafuridzira pamsoro paɀo. Nemhaka yeiko? — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Nemhaka yeimba yaŋgu riri ɗoŋgo, mumŋe nomumŋe wenyu acimhanyira kumba kwake.
Hagai 1:8-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)