VaHebheru 12:1-2
VaHebheru 12:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa. Tichitarira kuna Jesu muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu; iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashora kunyadziswa kwawo, uye akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
VaHebheru 12:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo, nesuo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nezvivi zvinongotinamatira, ngatimhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa, tichitarira kuna Jesu, muvambi nomukwanisi wokutenda kwedu, iye akatsunga pamuchinjikwa nokuda kwomufaro akaiswa pamberi pake, akashoora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwechigaro choushe chaMwari.
VaHebheru 12:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo zvatakakomberedzwa negore rezvapupu zvakawanda kudai, ngatichikandai pasi mitoro yose nezvitadzo zvinoramba zvakati nesu namata, timhanye nhangemutange yatakatarirwa takatarisa kuna Jesu muvambi akaita kuti chitendero chedu chive chakakwana. Iye, pamusana pemufaro waakanga anzi achawana, akatirira muchinjikwa achiona kunyadziswa sechinhu pasina, iye zvino agere kurudyi rwechigaro choumambo chaMwari.
VaHebheru 12:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo, nesu ʋo, ɀatakakomberedzwa negore reɀapupu rakakura rikaɗai, ŋgatibvisei ɀose ɀinoremedza, neɀiʋi ɀinoŋgotinamatira, ŋgatimhanye nokutsuŋgirira nhaŋgemutaŋge yatakaisirwa, ticitarira kunaJesu, muʋambi nomukwanisi wokutenda kweɗu, iye wakatsuŋga pamucinjikwa nokuɗa kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akashoʋora kunyadziswa kwawo, akandogara kurudyi rwecigaro coʋushe caMŋari.
VaHebheru 12:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)