VaHebheru 13:20-21
VaHebheru 13:20-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwari worugare, akadzosa kubva kuvakafa Ishe wedu Jesu iye mufudzi mukuru wamakwai, kubudikidza neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei nezvinhu zvose zvakanaka kuti muite kuda kwake, uye ngaaite mukati medu zvinhu zvinomufadza, nokuna Kristu Jesu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
VaHebheru 13:20-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Mwari worugare, akadzosa kuvakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe wedu Jesu Kristu, neropa resungano isingaperi, ngaakukwanisei pazvinhu zvose zvakanaka, kuti muite kuda kwake, iye achiita mukati medu izvo zvinofadza pamberi pake, naJesu Kristu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
VaHebheru 13:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Iye Mwari worugare akamutsa Tenzi wedu Jesu kuvakafa akava mufudzi mukuru wehwai pamusana peropa rechitenderano chinogara nokusingaperi. Ngaakurongedzerei nezvose zvakanaka kuti mukwanise kuita kuda kwake achiita zvaanoda mamuri nokuna Jesu Kristu. Iye Kristu ngaarumbidzwe narini narini. Ameni.
VaHebheru 13:20-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Mŋari worugare, wakadzosa kuʋakafa mufudzi mukuru wamakwai, iye Ishe weɗu Jesu Kristu, neropa resuŋgano isiŋgaperi, ŋgaakukwanisei paɀinhu ɀose ɀakanaka, kuti muite kuɗa kwake, iye aciita mukati meɗu iɀo ɀinofadza pamberi pake, naJesu Kristu — ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
VaHebheru 13:20-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)