VaHebheru 5:12-13
VaHebheru 5:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi pari zvino munotoda mumwe munhu kuti akudzidzisei zvakare zvokwadi yezvokuvamba zveshoko raMwari. Muchiri kuda mukaka, kwete zvokudya zvikukutu. Mumwe nomumwe anoraramiswa nomukaka, achiri mucheche, haasati anzwisisa dzidziso pamusoro pokururama.
VaHebheru 5:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti, kunyange maifanira kuva vadzidzisi zvino, kana tichitarira nguva, mofanirazve kuti muve nomumwe anokudzidzisai dzidzo dzokutanga dzokuvamba kwezvirevo zvaMwari; mava vanhu vanofanira kupiwazve mukaka, vasingapiwi zvokudya zvikukutu. Nokuti mumwe nomumwe anodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucheche hake.
VaHebheru 5:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti kunyange zvazvo, parinhasi, muchifanira kunge matova vadzidzisi, mavakutoda mumwe anokudzidzisaizve zvidzidziso zvokutanga zvamashoko aMwari. Mavakutofanira kupihwa mukaka panze pokupihwa chokudya chakasimba. Nokuti wose anorarama nomukaka haasati aziva shoko roururami pamusana pokuti mwana muduku.
VaHebheru 5:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti, kunyaŋge maifanira kuʋa ʋadzidzisi ɀino, kana ticitarira ŋguʋa, mofanira ɀe kuti muʋe nomumŋe unokudzidzisai dzidzo dzokutaŋga dzokuʋamba kweɀireʋo ɀaMŋari; maʋa ʋanhu ʋanofanira kupiwa ɀe mukaka, ʋasiŋgapiwi ɀokudya ɀikukutu. Nokuti mumŋe nomumŋe unodya mukaka haanzwisisi shoko rokururama, nokuti mucece hake.
VaHebheru 5:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)