VaHebheru 7:27
VaHebheru 7:27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asingafaniri, savaya vapristi vakuru, kubayira zuva rimwe nerimwe, pakutanga pamusoro pezvivi zvavo, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu; nokuti akaita izvozvi kamwechete, zvikapera, pakuzviita kwake chibayiro.
VaHebheru 7:27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asingafanani navaya vaprista, haafaniri kubayira zvipiriso zuva rimwe nerimwe, kutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure pamusoro pezvivi zvavanhu. Akabayira zvivi zvavo kamwe chete zvikapera paakazvipa iye.
VaHebheru 7:27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Haasungirwi, sezvinoita vapristi vakuru vaya, kuti zuva roga roga apire chibayiro, pokutanga achizvipirira iye pachake, ozopirirawo zvitadzo zvavanhu, nokuti iye akaita izvi chakamwe paye paakazvipira iye pachake.
VaHebheru 7:27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
usiŋgafaniri, saʋaya ʋaprista ʋakuru, kuɓayira zuʋa rimŋe nerimŋe, pakutaŋga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, pashure pamsoro peɀiʋi ɀaʋanhu; nokuti wakaita iɀoɀi kamŋe cete, ɀikapera, pakuɀiita kwake ciɓayiro.
VaHebheru 7:27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)