Hosea 7:14
Hosea 7:14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Havachemi kwandiri zvinobva pamwoyo yavo, asi vanoungudza vari panhoo dzavo. Vanounganira zviyo newaini itsva asi vanondifuratira.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7Hosea 7:14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Havana kudana kwandiri nemwoyo yavo, asi vanoungudza panhoo dzavo; vanounganira zviyo newaini itsva, vanondimukira.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7Hosea 7:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Havanamati kwandiri nemwoyo wose asi vanohwihwidza kuchema vari pamibhedha yavo. Pavanokumbira mbesanwa newaini vanonamata vachizvicheka-cheka muviri vachitondipandukira zvavo.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 7