Isaya 35:3-4
Isaya 35:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Simbisai maʋoko asinesimba, mutsigire mabvi anoɗeɗera. Itiyi kunaʋanemŋoyo inotya: Simbai, musatya! Tarirai, Mŋari wenyu ucaʋuya nokutsiʋa, nokuripira kwaMŋari; ucaʋuya acikuponesai.
Isaya 35:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Simbisai maoko asina simba, tsigirai mabvi anodedera; muti kuna avo vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya; Mwari wenyu achauya, achauya nokutsiva, nokuripira kutsvene achauya kuzokuponesai.”
Isaya 35:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Simbisai maoko asine simba, mutsigire mabvi anodedera. Iti kuna vane mwoyo inotya, “Simbai, musatya! Tarirai, Mwari wenyu achauya nokutsiva, nokuripira kwaMwari; achauya achikuponesai.”
Isaya 35:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Simbisai maoko akaregedzera musimbise mabvi akarengwendeka. Itii kune vane mwoyo unotya, “Simbai mwoyo, regai kutya. Tarirai muone, Mwari wenyu ari kuuya kuzotsividza nokutsividza kwaMwari, achizogadziridza zvamakakanganisirwa, achauya okununurai.”
Isaya 35:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)