Isaya 40:12-14
Isaya 40:12-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza choruoko rwake, nokuyera denga napanosvika minwe, nokuenzanisa guruva rapasi nechiyero, nokuyera kurema kwamakomo nechiedzo, nezvikomo nechiyero? Ndianiko wakayera Mweya waJehovha, kana akamudzidzisa achimurayira namano? Akarangana nani, ndiyani akamurayira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa zivo, nokumuratidza nzira yenjere here?
Isaya 40:12-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndianiko akayera mvura zhinji muchanza chake, kana kuyera denga noupamhi hwechanza chake? Ndianiko akaisa guruva rose rapasi mudengu, kana kuyera kurema kwamakomo nechiyero, nezvikomo pachiyero? Ndiani akanzwisisa murangariro waJehovha, kana kumudzidzisa somudzidzisi wake? Ndiani akabvunzwa naJehovha kuti amujekesere, uye ndiani akamudzidzisa nzira yakanaka? Ndianiko akamudzidzisa ruzivo kana kumuratidza nzira yokunzwisisa?
Isaya 40:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani akamboera mvura yamakungwa nechanza choruoko rwake kana akamboerawo matenga nechanza chake, kana akamboisa ivhu rapasi pose zvapo mumugomo kunyange kuera makomo muzvikero, kana zvikomo muchikero chomurengarenga? Ndiani akambotungamirira Mweya waTenzi, kana segweta rake achimurayiridza; waakambondobvunza mazano kuti amujekesere ndiani; akambomudzidzisa gwara roruenzaniso ndiani, akambomudzidzisa amupa ruzivo ndiani; akamuratidza nzira yokunzwisisa nayo?
Isaya 40:12-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko wakayera mvura zhinji mucanza coruʋoko rwake, nokuyera ɗeŋga napanoȿika minwe, nokuenzanisa guruʋa rapasi neciyero, nokuyera kurema kwamakomo neciidzo, neɀikomo neciyero? Ndianiko wakayera Mŋeya waJehova, kana wakamudzidzisa acimuraira namano? Wakaraŋgana nani, ndiani wakamuraira nokumudzidzisa nzira yokururamisira, nokumudzidzisa ziʋo, nokumuratidza nzira yenjere here?
Isaya 40:12-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)