Isaya 40:6-7
Isaya 40:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Inzwi rinoti, “Danidzirai.” Ini ndokuti, “Ndodanidzireiko?” “Vanhu vose vakaita souswa, uye kubwinya kwavo kwose kwakaita samaruva omunda. Uswa hunooma uye maruva anowa, nokuti mweya waJehovha unofuridzira pamusoro pazvo. Zvirokwazvo vanhu uswa.
Isaya 40:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Inzwi rounoti: Ƌanidzirai! Mumŋe akati: Ndicaɗanidzireiko? Nyama yose ʋuswa, kunaka kwaɀo kwose kwakaita seruʋa rokusaŋgo. Ʋuswa ʋunowoma, ruʋa rinoȿaʋa, nokuti mŋeya waJehova unofuridza pamsoro paɀo; ɀirokwaɀo ʋanhu ʋuswa.
Isaya 40:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Izwi rakati, “Daidzira!” Ini ndikati, “Ndodaidzira kuti kuti?” Iti, “Vanhu vose zvavo uswa norunako rwavo rwakaita seruva zvaro resango. Uswa hunouna, ruva rinosvava pazvinongorohwa nemhepo inofuridzwa naTenzi kwazviri, chokwadika vanhu uswa zvahwo.
Isaya 40:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izwi roanoti, “Danidzirai!” Mumwe akati, “Ndichadanidzireiko?” Vanhu vose uswa, kunaka kwazvo kwose kwakaita seruva rokusango. Uswa hunowoma, ruva rinosvava, nokuti mweya weJehovha unofuridza pamusoro pazvo; zvirokwazvo vanhu uswa.
Isaya 40:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)