Isaya 41:19-20
Isaya 41:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichaisa mugwenga musidhari nomuakasiya, mumite nomuorivhi. Ndichaisa mipaini musango, misipuresi nemifiri pamwe chete, kuitira kuti vanhu vaone uye vagoziva, varangarire vagonzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvozvi, kuti Mutsvene waIsraeri ndiye akazvisika.
Isaya 41:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichasima parenje miti yemisidhari, nemiakasia, nemimirite, nemiorivhi; ndichaisa musango misiperesi, nemipani, nemifiri, iyo yose; kuti vanhu vaone, nokuziva, nokurangarira, nokunzwisisa, kuti ruoko rwaJehovha ndirwo rwakaita izvozvo, uye kuti Mutsvene waIsiraeri ndiye wakazvisika.”
Isaya 41:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari yemiunga neyemumituri nemiorivhi, ndichisima mugwenga misaipurasi nemipureni nemipaini pamwechete kuitira kuti vanhu vaone vagoziva, varangarire vagonzwisisa pamwechete kuti simba roruoko rwaTenzi ndorwaita izvozvi, uye kuti iye Anoera waIsiraeri ndiye asika izvozvi.
Isaya 41:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Murenje ndichamumeresa miti yemisidhari yemiunga neyemumituri nemiorivhi, ndichisima mugwenga misaipurasi nemipureni nemipaini pamwechete kuitira kuti vanhu vaone vagoziva, varangarire vagonzwisisa pamwechete kuti simba roruoko rwaTenzi ndorwaita izvozvi, uye kuti iye Anoera waIsiraeri ndiye asika izvozvi.
Isaya 41:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicasima parenje miti yemisidari, nemiakasia, nemimirte, nemiorivi; ndicaisa musaŋgo misipresi, nemipaini, nemifiri, iyo yose; kuti ʋaʋone, nokuziʋa, nokuraŋgarira, nokunzwisisa ʋose, kuti ruʋoko rwaJehova ndirwo rwakaita iɀoɀo, ʋuye kuti Mutȿene waIsraeri ndiye wakaɀisika.