Isaya 54:17
Isaya 54:17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
hapana munondo ucharwisana newe ukakunda, uye uchakonesa rurimi rumwe norumwe runokupomera mhosva. Iyi ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, uye uku ndiko kururamisirwa kwavo kunobva kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Isaya 54:17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakuna nhumbi inoumbwa kuzorwa newe ingaita chinhu; rurimi rumwe norumwe runokukwirira pakutongwa ruchakundwa newe. Ndiyo nhaka yavaranda vaJehovha, nokururama kwavo kwandiri ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Isaya 54:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakuna chombo chokurwisa chichagadzirirwa iwewe chichakwanisa kuita basa racho, uye uchakonesa munhu wese anenge akukwirira dare. Iyoyi iyi ndiyo nhaka yevaranda vaTenzi uye ndokuvatsigira kwandinoita.” Ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.
Isaya 54:17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakunenhumbi inoʋumbga kuzorwa newe iŋgaita cinhu; rurimi rumŋe norumŋe runokukwirira pakutoŋgwa, rucakundwa newe. Ndiyo nhaka yaʋaranda ʋaJehova, nokururama kwaʋo kunobva kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Isaya 54:17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)