Isaya 56:6-7
Isaya 56:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye vatorwa vakazvipira kuna Jehovha kuti vamushumire, kuti vade zita raJehovha, uye vamunamate, vose vanochengeta Sabata vasingarisvibisi vachibatisisa sungano yangu, ivava ndichavauyisa kugomo rangu dzvene ndigovapa mufaro muimba yangu yokunyengetera. Zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvichagamuchirwa paaritari yangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yendudzi dzose.”
Isaya 56:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Navatorwawo vanonamatira Jehovha, kuti vamushumire, nokuda zita raJehovha, nokuva varanda vake, mumwe nomumwe anochengeta Sabata kuti arege kurimhura, nokubatisisa sungano yangu; ivavo ndichavauyisa kugomo rangu dzvene, nokuvafadza muimba yangu yokunyengetera; zvipiriso zvavo zvinopiswa nezvibayiro zvavo zvichagamuchirwa paaritari rangu; nokuti imba yangu ichanzi imba yokunyengetera yavanhu vose.
Isaya 56:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vatorwa vose vanozvibatanidza neni Tenzi nokundishandira vachida zita reni vachiva varanda vangu, vose zvavo vanochengeta masabata vasingaan'oresi vachichengetedza chitenderano changu, ivava ndichavaunza kugomo rangu rinoera ndigovaita kuti vafare muimba yangu yokunamatira. Mipiro yavo inopiswa nezvibayiro ndichazvigamuchira paatari yangu nokuti imba yangu ichanzi imba yokunamatira yamarudzi ose avanhu
Isaya 56:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naʋatorwa ʋo ʋanonamatira Jehova, kuti ʋamushumire, nokuɗa zita raJehova, nokuʋa ʋaranda ʋake, mumŋe nomumŋe unoceŋgeta saɓata kuti arege kurimhura, nokuɓatisisa suŋgano yaŋgu; iʋaʋo ndicaʋaʋuyisa kugomo raŋgu dɀene, nokuʋafadza muimba yaŋgu yokunyeŋgetera; ɀipiriso ɀaʋo ɀinopiswa neɀiɓayiro ɀaʋo ɀicagamucirwa paartari raŋgu; nokuti imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera yaʋanhu ʋose.
Isaya 56:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)