Isaya 58:13-14
Isaya 58:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana ukatsaukana neSabata worega kuita zvaunoda pazuva rangu rinoera, wava kuti Sabata, izuva rinofadza, uyewo wava kuti zuva rinoera raTenzi rinoremekedzeka, kana ukariremekedza usingaite zvomusoro wako uchiita zvaunoda uchidya zvako nyaya. “Ipapo Tenzi achava rufaro rwako, panyika ndichakuita kuti uve wapamusorosoro chaipo ndichiita kuti udye, nhaka yababa vako Jakobho nokuti ndizvo zviri kutaurwa naTenzi.”
Isaya 58:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kana ukachengeta tsoka dzako kuti dzisaputsa Sabata, uye kuti dzisaita zvinokufadza iwe pazuva rangu dzvene, kana ukati Sabata izuva rinofadza, uye ukati zuva dzvene raJehovha izuva rinokudzwa, uye kana ukarikudza nokusafamba munzira yako, uye usingaiti zvinokufadza kana kutaura mashoko asina maturo, ipapo uchawana mufaro wako muna Jehovha, uye ndichakuita kuti ukwire pakakwirira penyika, uye ndichakugutsa nenhaka yababa vako Jakobho.” Muromo waJehovha wazvitaura.
Isaya 58:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana uchidzora gumbo rako pazuva reSabata, kuti urege kuita zvaunoda pazuva rangu dzvene, uchiti, Sabata izuva rinofadza, nezuva dzvene raJehovha rinofanira kukudzwa, uchirikudza, usingaiti zvaunoda, kana kutsvaka zvinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo uchafarira Jehovha kwazvo; neni ndichakufambisa panzvimbo dzakakwirira dzenyika ndichakugutisa nenhaka yababa vako Jakobho, nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”
Isaya 58:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana ucidzora gumbo rako pazuʋa resaɓata, kuti urege kuita ɀaunoɗa pazuʋa raŋgu dɀene, uciti, saɓata izuʋa rinofadza, nezuʋa dɀene raJehova rinofanira kukudzwa, ucirikudza, usiŋgaiti ɀaunoɗa, kana kutȿaka ɀinokufadza, kana kutaura mashoko ako; ipapo ucafarira Jehova kwaɀo; neni ndicakufambisa panɀimbo dzakakwirira dzenyika, ndicakugutisa nenhaka yaɓaɓa ʋako Jakobo, nokuti muromo waJehova wakataura iɀoɀo.
Isaya 58:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)