Isaya 61:1-3
Isaya 61:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu; nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidzire vanyoro mashoko akanaka; akandituma kuti ndirape vanemwoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire vakatapwa kusunungurwa, nokuna vakasungwa kuti vachazarurirwa; kuti ndiparidzire gore rengoni dzaJehovha, nezuva rokutsiva raMwari wedu; kuti ndinyaradze vose vanochema; kuti ndigadzire vanochema paZioni vapiwe korona panzvimbo yamadota, mafuta omufaro panzvimbo yokuchema, nenguo yokurumbidza panzvimbo yomweya waziya; kuti vanzi miti yokururama, chakasimwa chaJehovha, kuti iye akudzwe.
Isaya 61:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mweya waTenzi Mwari uri pandiri nokuti Tenzi akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuzonyaradza vakasuruvara mwoyo, nokuparidzira vari muutapwa rusununguko, nokusunungurwa kwavari muusungwa uye kuparidza kuvanhu gore raTenzi retsiye nyoro nezuva raMwari wedu rokutsiva nokunyaradza vose vanochema kuti ape vanochema muguta reZioni chiremba chokufara chamaruva panzvimbo pamadota okusuwa, mafuta amafaro pachinzvimbo chenhamo yokuchema avape hanzu dzokurumbidza nadzo panzvimbo pokuora mwoyo. Vachatonzi miti yemioku yoururami yakasimwa naTenzi kuti agorumbidzwa.
Isaya 61:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu, nokuti Jehovha akandizodza kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo. Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika, kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa, nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima, kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu, kuti ndinyaradze vose vanochema, uye ndiriritire avo vanochema muZioni, kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako pachinzvimbo chamadota, mafuta omufaro pachinzvimbo chokuchema, uye nenguo yokurumbidza pachinzvimbo chomweya wakarukutika. Vachanzi miouki yokururama, yakasimwa naJehovha kuti aratidze kubwinya kwake.
Isaya 61:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mweya waTenzi Mwari uri pandiri nokuti Tenzi akandizodza kuti ndiparidze shoko rakanaka kuvarombo. Akandituma kuzonyaradza vakasuruvara mwoyo, nokuparidzira vari muutapwa rusununguko, nokusunungurwa kwavari muusungwa uye kuparidza kuvanhu gore raTenzi retsiye nyoro nezuva raMwari wedu rokutsiva nokunyaradza vose vanochema kuti ape vanochema muguta reZioni chiremba chokufara chamaruva panzvimbo pamadota okusuwa, mafuta amafaro pachinzvimbo chenhamo yokuchema avape hanzu dzokurumbidza nadzo panzvimbo pokuora mwoyo. Vachatonzi miti yemioku yoururami yakasimwa naTenzi kuti agorumbidzwa.
Isaya 61:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋeya waShe Jehova uri pamsoro paŋgu; nokuti Jehova wakandizodza kuti ndiparidzire ʋanyoro mashoko akanaka; wakandituma kuti ndirape ʋanemŋoyo yakaputsika, kuti ndiparidzire ʋakatapxa kusunuŋgurwa, nokunaʋakasuŋgwa kuti ʋacazarurirwa; kuti ndiparidze gore reŋgoni dzaJehova, nezuʋa rokutsiʋa raMŋari weɗu; kuti ndinyaradze ʋose ʋanocema; kuti ndigadzirire ʋanocema paZioni ʋapiwe korona panɀimbo yamaɗota, mafuta omufaro panɀimbo yokucema, neŋguʋo yokurumbidza panɀimbo yomŋeya waziya; kuti ʋanzi miti yokururama, cakasimŋa caJehova, kuti iye akudzwe.