Isaya 62:6-7
Isaya 62:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Pasvingo ako iwe Jerusaremu ndaisa vatariri, havambonyarara siku nesikati. Imi munoyeuka Tenzi kudai musazorore, musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano.
Isaya 62:6-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora, uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.
Isaya 62:6-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakagadza nharire pamusoro pamasvingo ako, iwe Jerusaremu; havangatongonyarari masikati nousiku; imi vayeudziri vaJehovha, regai kunyarara, uye musamutendera kuzorora, kusvikira asimbisa izvozvo, kusvikira aita Jerusaremu guta rinorumbidzwa panyika.
Isaya 62:6-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pasvingo ako iwe Jerusaremu ndaisa vatariri, havambonyarara siku nesikati. Imi munoyeuka Tenzi kudai musazorore, musambomupa zvenyu zororo, kudzamara aita kuti guta reJerusaremu rimire ariita kuti rive nomukurumbira pasi pano.
Isaya 62:6-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakagadza nharirire pamsoro pamaȿiŋgo ako, iwe Jerusarema; haʋaŋgatoŋgonyarari masikati noʋusiku; imi ʋayeʋudziri ʋaJehova, regai kunyarara, ʋuye musamutendera kuzorora, kuȿikira asimbisa iɀoɀo, kuȿikira aita Jerusarema guta rinorumbidzwa panyika.