Isaya 63:7
Isaya 63:7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichataura nezvounyoro hwaJehovha, iwo mabasa aanofanira kukudzwa nawo, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha, hongu, izvo zvinhu zvizhinji zvaakaitira imba yaIsraeri, nokuda kwetsitsi dzake uye nengoni dzake zhinji.
Isaya 63:7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndicharumbidza hunyoro hwaJehovha namabasa aJehovha anofanira kurumbidzwa, nokuda kwezvose zvatakaitirwa naJehovha nezvakanaka zvizhinji kuimba yaIsiraeri, zvaakavaitira nokuda kwenyasha dzake, uye nokuda kwohunyoro hwake.
Isaya 63:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndichadetemba kurumbidza mwoyochena waTenzi, mukurumbira waTenzi nokuona zvose zvatawaniswa naTenzi nezvose zvakanakisisa kwazvo zvaakaitira vemba yaIsiraeri zvaakadai kuvapa netsitsi dzake nomwoyochena wake wakanyanya kukura kudai
Isaya 63:7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicarumbidza ʋunyoro bgaJehova namaɓasa aJehova anofanira kurumbidzwa, nokuɗa kweɀose ɀatakaitirwa naJehova neɀakanaka ɀizhinji kuimba yaIsraeri, ɀaakaʋaitira nokuɗa kwenyasha dzake, ʋuye nokuɗa kwoʋunyoro bgake.
Isaya 63:7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)