Jakobho 1:13-14
Jakobho 1:13-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.
Jakobho 1:13-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa.
Jakobho 1:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake.
Jakobho 1:13-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa.
Jakobho 1:13-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)