Jakobho 1:19-20 - Compare All Versions
Jakobho 1:19-20 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa, nokuti kutsamwa kwomunhu hakuuyisi upenyu hwakarurama hunodikanwa naMwari.
Jakobho 1:19-20 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munozviziva henyu izvozvi, hama dzangu dzinodikanwa. Asi munhu mumwe nomumwe ngaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamwa; nokuti kutsamwa kwomunhu hakuiti kururama kwaMwari.
Jakobho 1:19-20 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zivai izvi hama dzangu dzadiwa zvokuti munhu wose ngaakurumidze zvake kunzwa asi ave anononoka kutaura uye ave anonoka kushatirwa nokuti kushatirwa kwomunhu hakubatsiri kuti mugariro wohumwari wakarurama uitwe.
Jakobho 1:19-20 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa; nokuti kutsamŋa kwomunhu hakuiti kururama kwaMŋari.
Jakobho 1:19-20 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)