Vatongi 13:5
Vatongi 13:5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti tarira, uchava nemimba, nokubereka mwanakomana; musoro wake haufaniri kuveurwa nechisvo, nokuti mwana uyu anofanira kuva muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vake; iye uchatanga kuponesa Isiraeri pamaoko avaFirisitia.”
Vatongi 13:5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti uchava nemimba uye uchabereka mwanakomana. Chisvo hachifaniri kuveura musoro wake, nokuti mukomana anofanira kuva muNaziri, akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuzvarwa kwake, uye ndiye achatanga kusunungura vaIsraeri kubva mumaoko avaFiristia.”
Vatongi 13:5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti uchava napamuviri, ugobereka mwana mukomana. Haafaniri kumbofa akaveurwa vhudzi rake, nokuti achava muNaziri waMwari kubvira pakuberekwa kwake. Achatanga kununura vaIsiraeri mumaoko avaFirisitia.”
Vatongi 13:5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti tarira, ucaʋa nemimba, nokuɓereka mŋanakomana; musoro wake haufaniri kuʋeʋurwa neciȿo, nokuti mŋana uyu unofanira kuʋa muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋake; iye ucataŋga kuponesa Israeri pamaʋoko aʋaFiristia.