Vatongi 16:20
Vatongi 16:20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, “Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura;” asi wakanga asingazivi kuti Jehovha wakanga abva kwaari.
Vatongi 16:20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari.
Vatongi 16:20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya.
Vatongi 16:20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akati: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo Samsoni akapepuka pahope dzake, akati: Ndicaɓuɗa ŋguʋa ino ʋo sapanedzimŋe ŋguʋa, ndikaɀisunuŋgura; asi wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Jehova wakaŋga abva kwaari.