Vatongi 16:30
Vatongi 16:30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Samusoni akati, “Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu.
Vatongi 16:30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Samusoni akati, “Regai ndife hangu navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, temberi ikaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu.
Vatongi 16:30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu.
Vatongi 16:30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Samsoni akati: Ŋgandife haŋgu pamŋe cete naʋaFiristia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamsoro pamadzishe, napamsoro paʋanhu ʋaiʋa’mo. Naiɀoɀo ʋakafa ʋaakaʋuraya pakufa kwake, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa naye aciri mupenyu.
Vatongi 16:30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)