Vatongi 7:4
Vatongi 7:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.”
Vatongi 7:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Tenzi akataurira Gidheoni zvakare achiti, “Vanhu ava vakawandisa nazvino wese. Enda navo kumvura, ndikuudze waungasarudze. Wandinenge ndati ngaaende newe, ndiye achaenda newe. Wandinengewo ndati haaende newe, ngaarege kuenda newe.”
Vatongi 7:4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Jehovha akati kuna Gidheoni, “Vanhu vachakangowandisa. Enda navo kumvura, uye ini ndichavasanangurira ikoko. Kana ndikati, ‘Uyu achaenda newe,’ ndiye achaenda; asi kana ndikati, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iyeye haaendi.”
Vatongi 7:4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo Jehovha akati kuna Gidheoni, “Nazvino vanhu vachiri vazhinji, enda navo kumvura ndivaidzepo; zvino kana ndikati kwauri, ‘Uyu anofanira kuenda newe, ndiye uchaenda newe;’ asi kana ndikati kwauri, ‘Uyu haafaniri kuenda newe,’ iye haangaendi.”
Vatongi 7:4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo Jehova akati kunaGideoni: Naɀino ʋanhu ʋaciri ʋazhinji; enda naʋo kumvura ndiʋaidze’po; ɀino kana ndikati kwauri: Uyu unofanira kuenda newe, ndiye ucaenda newe; asi kana ndikati kwauri: Uyu haafaniri kuenda newe, iye haaŋgaendi.