Vatongi 7:5-6
Vatongi 7:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.” Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo.
Vatongi 7:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Saka Gidheoni akaenda nevanhu ivavo kumvura. Tenzi ndokuti kuna Gidheoni, “Vanhu vanenge vachinwa mvura vachiita zvokukasva sembwa vaise pavo voga, uisewo pavo vanenge vachiinwa vakapfugama.” Mazana matatu avarume vakaita zvokuikasva namaoko avo, asi vamwe vose vakapfugama pakunwa mvura iyoyo.
Vatongi 7:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka Gidheoni akatora varume akaburuka navo kumvura. Jehovha akamuudza ikoko kuti, “Paradzanisa avo vanonwa mvura vachikapa norurimi rwavo sezvinoita imbwa kubva kuna avo vanonwa vakapfugama.” Zvino uwandu hweavo vakanwa vachikapa, vachiisa maoko kumiromo yavo, hwakasvika mazana matatu. Vamwe vose vakanwa vakapfugama namabvi avo.
Vatongi 7:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, “Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakunwa.” Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakunwa mvura.
Vatongi 7:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo akaenda naʋanhu kumvura; Jehova akati kunaGideoni: Mumŋe nomumŋe unokapa mvura norurimi seɀinokapa imbga, unofanira kumuisa kurutiʋi ari oga; saiɀoɀo ʋo mumŋe nomumŋe unofugama pamabvi ake pakunwa. Ɀino ʋanhu ʋakaŋga ʋakapa, ʋaciisa maʋoko aʋo kumiromo, ʋakaȿika ʋarume ʋanamazana matatu; asi ʋamŋe ʋose ʋakafugama pamabvi aʋo pakunwa mvura.