Jeremia 11:3-4
Jeremia 11:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Muvaudze kuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Akatukwa munhu asingateereri mashoko esungano iyi, mashoko andakarayira madzitateguru enyu pandakavabudisa muIjipiti kubva muchoto chamatare.’ Ndakati, ‘Nditeererei mugoita zvose zvandinokurayirai, mugova vanhu vangu, ini ndigova Mwari wenyu.
Jeremia 11:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, munhu usinganzwi mashoko esungano iyi, ngaatukwe,’ aya andakaraira madzibaba enyu nezuva randakavabudisa munyika yeIjipiti, muchoto chamatare, ndichiti, ‘Tererai inzwi rangu, muzviite zvose sezvandakakurairai; ipapo muchava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wenyu
Jeremia 11:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari weIsiraeri, ‘Ngaapinde rushambwa munhu asingachengeti zviri kurehwa nechitenderano ichi chandakati madzibaba enyu achengete pandakavaburitsa munyika yeIjipiti,’ muvira romoto resimbi ndichiti, ‘Teererai izwi rangu muite zvose zvandinokuudzai, nokudaro muchava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu
Jeremia 11:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
uti kwaʋari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waIsraeri: Munhu usiŋganzwi mashoko esuŋgano iyi, ŋgaatukwe, aya andakaraira madziɓaɓa enyu nezuʋa randakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, mucoto camatare, ndiciti: Tererai inzwi raŋgu, muɀiite ɀose seɀandakakurairai; ipapo mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari wenyu
Jeremia 11:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)