Jeremia 17:5-6
Jeremia 17:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Ngaatukwe munhu uyo anovimba nomumwe munhu, anovimba nesimba renyama ano mwoyo unofuratira Jehovha. Achafanana negwenzi murenje; haangaoni kubudirira pakunosvika. Achagara munzvimbo dzakaoma dzemugwenga, munyika yomunyu isingagarwi nomunhu.
Jeremia 17:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Ngaatukwe iye munhu unovimba nomumwe munhu, unoita nyama yomunhu ruoko rwake, unomwoyo unotsauka kuna Jehovha. Nokuti uchafanana negwenzi murenje, haangaoni kana zvakanaka zvichisvika, asi uchagara panzvimbo dzakaoma kwazvo murenje, munyika yebare isingagarwi navanhu.
Jeremia 17:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTenzi, “Ane rushambwa munhu anovimba nomunhu, anoti munhu, ndiye simba rake ane mwoyo wokufuratira Mwari. “Akafanana negwenzi riri mugwenga hapana chakanaka chaanowana. Achagara munzvimbo dzakaoma dzomugwenga, munyika yebare isingagare munhu.
Jeremia 17:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Ŋgaatukwe iye munhu unoʋimba nomumŋe munhu, unoita nyama yomunhu ruʋoko rwake, unomŋoyo unotsauka kunaJehova. Nokuti ucafanana negwenzi murenje, haaŋgaʋoni kana ɀakanaka ɀiciȿika, asi ucagara panɀimbo dzakawoma kwaɀo murenje, munyika yeɓare isiŋgagarwi naʋanhu.
Jeremia 17:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)