Jeremia 2:11 - Enzanisa Shanduro Dzose
Jeremia 2:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, rudzi rwakambotsinhanisa vamwari varwo here? Uye havasi vamwari zvachose. Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvifananidzo zvisina maturo.
Jeremia 2:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko rudzi ruripo rwakatsinhanhisa vamwari varwo, ivo vasati vari vamwari here? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa kukudzwa kwavo nezvinhu zvisingabatsiri.
Jeremia 2:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ko rudzi ruri’po rwakatsinhanhisa ʋamŋari ʋarwo, iʋo ʋasati ʋari ʋamŋari here? Asi ʋanhu ʋaŋgu ʋakatsinhanisa kukudzwa kwaʋo neɀinhu ɀisiŋgaɓatsiri.
Jeremia 2:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri.
Jeremia 2:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Kuno rudzi here rwakambochinjanisa vaMwari varwo, kunyange zvazvo ivo vasiri vamwari? Asi vanhu vangu vakatsinhanisa Mbiri yavo vachiitsiva nezvinhu zvisingabatsiri.