Jeremia 2:13 - Enzanisa Shanduro Dzose
Jeremia 2:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vanhu vangu vakaita zvakaipa zviviri: Vakandisiya ini, tsime remvura mhenyu, vakazvicherera zvirongo zvisingachengeti mvura.
Jeremia 2:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vanhu vangu vakaita zvinhu zviviri zvakaipa. Vakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, vakazvivezera zvirongo, zvirongo zvakaputsika, zvisingagoni kuchengeta mvura.
Jeremia 2:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ʋanhu ʋaŋgu ʋakaita ɀinhu ɀiʋiri ɀakaipa: Ʋakandisiya, ini tsime remvura mhenyu, ʋakaɀiʋezera ɀiroŋgo, ɀiroŋgo ɀakaputsika, ɀisiŋgagoni kuceŋgeta mvura.
Jeremia 2:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura.
Jeremia 2:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
nokuti vanhu vangu vakanditadzira nezvizvi zviviri zvokuti vakandifuratira ini tsime remvura mhenyu vakatozvicherera mazigaringiro emvura mazigaringiro akabamuka asingagone kuchengeta mvura.