Jeremia 2:19 - Enzanisa Shanduro Dzose
Jeremia 2:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvakaipa zvako zvichakuranga; kudzokera shure kwako kuchakutuka. Rangarira uye uyeuke zvino kuti zvakaipa sei uye zvinovava sei kwauri, ukange wasiya Jehovha Mwari wako, uye usingandityi,” ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha Wamasimba Ose.
Jeremia 2:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakaipa zvako zvinokurova, kudzokera kwako shure kunokutuka; naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha wehondo, ‘Ziva, uone kuti chinhu chakaipa chinovava kuti wakasiya Jehovha Mwari wako, uye kuti haundityi.’
Jeremia 2:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀakaipa ɀako ɀinokuroʋa, kudzokera kwako shure kunokutuka; naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova wehondo: Ziʋa, uʋone kuti cinhu cakaipa cinoʋaʋa kuti wakasiya Jehova Mŋari wako, ʋuye kuti haundityi.
Jeremia 2:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uipi hwako huchakupfukira; umhandupandu hwako ndohuchakugadzira. Chaunofanira kuziva nokuona ndechokuti chinhu chakaipa chinorwadza, kufuratira Tenzi, Mwari wako zvokunditya mauri hamuna ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari wehondo nehondo.”
Jeremia 2:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)