Jeremia 22:15-16
Jeremia 22:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Izvozvo zvinokuita mambo here, kuva nemisidhari yakawandawanda? Ko, baba vako havana kuwana zvokudya nezvokunwa here? Iye akaita zvakarurama uye nokururamisira, saka zvose zvakamufambira zvakanaka. Akatongera varombo nevaishayiwa mhaka dzavo, nokudaro zvose zvakafamba zvakanaka. Hazvisizvo zvinoreva kundiziva here?” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 22:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ko ungabata ushe, zvaunotsvaka kupfuura vamwe nemisidhari here? Ko baba vako havana kudya nokunwa, vachiita zvakarurama nezvakatendeka here?” Ipapo vakagara nomufaro. Vaitamba mhaka dzavarombo navanoshaiwa; ipapo vaiva nomufaro. “Ko izvozvi hakuzi kundiziva here? Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 22:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Heya wava kutofungawo kuti uri mambowo nhai pamusana pokukwikwidzana navamwe nezvomusidhari izvozvi izvi? Handiti baba vako vaidya nokunwa vachiita zvinhu zvine ruenzaniso zvakarurama? Saka zvinhu zvakavafambirawo zvakanaka. Vaitonga zvichemo zvavarombo nezvavasina chavanacho zvikabva zvavafambira zvakanaka. Zvanzi naTenzi, “Hakusiri iko kundiziva here ikoko?
Jeremia 22:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ko uŋgaɓata ʋushe, ɀaunotȿaka kupfuʋura ʋamŋe nemisidari here? Ko ɓaɓa ʋako haʋana‐kudya nokunwa, ʋaciita ɀakarurama neɀakatendeka here? Ipapo ʋakagara nomufaro. Ʋaitamba mhaka dzaʋarombo naʋanoshaiwa; ipapo ʋaiʋa nomufaro. Ko iɀoɀi hakuzi kundiziʋa here? — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 22:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)