Jeremia 23:5-6
Jeremia 23:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mazuva achauya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “pandichamutsira Dhavhidhi Davi rakarurama, Mambo achatonga nouchenjeri nokururamisira uye nokuita zvakarurama munyika. Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.
Jeremia 23:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarirai,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “Mazuva achauya, andichamutsira Dhavhidhi bukira rakarurama, iye uchabata ushe ari mambo, uchaita nohuchenjeri nokururama achiita zvakarurama panyika. “Pamazuva ake Judha vachaponeswa, naIsiraeri vachagara vakachengetwa; zita rake raachatumidzwa ndireri, ‘Jehovha ndiye kururama kwedu.’
Jeremia 23:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chionai, zvanzi naTenzi, “Mazuva achasvika andichamutsira Dhavhidhi Bazi rakarurama iyeyo achazotonga samambo zvino ungwaru achitonga zvino ruenzaniso zvakarurama munyika muno. Mumazuva ake iyeyu nyika yokwaJudha ichanunurwa, Isiraeri ichagarikika zvakanaka. Iri ndiro zita ravachamudaidza naro rokuti, ‘Tenzihururamihwedu.’
Jeremia 23:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova — mazuʋa acaʋuya, andicamutsira Davidi Ƃukira rakarurama, iye ucaɓata ʋushe ari mambo, ucaita noʋucenjeri acitoŋga nokururama aciita ɀakarurama panyika. Pamazuʋa ake Juda ʋacaponeswa, naIsraeri ʋacagara ʋakaceŋgetwa; zita rake raacatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu.
Jeremia 23:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)