Jeremia 31:31-32
Jeremia 31:31-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Nguva inouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “yandichaita sungano itsva neimba yaIsraeri uye neimba yaJudha. Haingazofanani nesungano yandakaita namadzitateguru avo, pandakavabata ruoko kuti ndivabudise munyika yeIjipiti, nokuti vakaputsa sungano yangu, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 31:31-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita sungano itsva neimba yaIsiraeri, neimba yaJudha. Haingafanani nesungano yandakaita namadzibaba avo namazuva andakavabata ruoko ndikavabudisa munyika yeIjipiti, vakaputsa sungano yangu iyo, kunyange ndakanga ndiri murume kwavari ndizvo zvinotaura Jehovha.
Jeremia 31:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chionai, zvanzi naTenzi mazuva achasvika andichaita chitenderano chitsva nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. Chichange chisina kufanana nechitenderano chiya chandakaita namadzitateguru avo pandakavabata ruoko ndichivaburitsa munyika yeIjipiti, chitenderano changu chavakaputsa kunyange zvazvo ini ndiri ini ndaiva murume wavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Jeremia 31:31-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicaita suŋgano itȿa neimba yaIsraeri, ʋuye neimba yaJuda. Haiŋgafanani nesuŋgano yandakaita namadziɓaɓa aʋo namazuʋa andakaʋaɓata ruʋoko ndikaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakaputsa suŋgano yaŋgu iyo, kunyaŋge ndakaŋga ndiri murume kwaʋari — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Jeremia 31:31-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)