Jeremia 38:2
Jeremia 38:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Zvanzi naJehovha: ‘Ani naani achagara muguta rino achafa nomunondo, nenzara kana denda, asi ani naani achazvipira kuvaBhabhironi achararama. Achatiza noupenyu hwake; achararama.’
Jeremia 38:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Ani naani unorambira muguta rino uchaurawa nomunondo, nenzara, uye nehosha yakaipa, asi unobuda akaenda kuvaKaradhea uchararama, hupenyu hwake huchava kwaari chinhu chakapambwa, uchararama.’ ”
Jeremia 38:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvanzi naTenzi anenge agara muguta rino achafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda asi anenge abuda achindozvipereka kuvaKaridhea achararama. Achapunyuka noupenyu hwake.
Jeremia 38:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Aninani unorambira muguta rino ucaʋurawa nomunondo, nenzara, ʋuye nehosha yakaipa, asi unoɓuɗa akaenda kuʋaKardea ucararama, ʋupenyu bgake ʋucaʋa kwaari cinhu cakapambga, ucararama.