Jeremia 38:9-10
Jeremia 38:9-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vamukanda mugomba umo maachaziya nenzara akafa kana chingwa chapera muguta.” Ipapo mambo akarayira Ebhedhi-Mereki muEtiopia, akati, “Tora varume makumi matatu pano uende navo munobudisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.”
Jeremia 38:9-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ishe wangu mambo, vanhu ava vakaita zvakaipa pazvose zvavakaitira muporofita Jeremiya, wavakakandira mugomba; zvino iye unenge uchafira panzvimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakuchina chingwa muguta.” Ipapo mambo akaraira muItiopia Ebhedhimereki, akati, “Tora pano vanhu vana makumi matatu, unobudisa muporofita Jeremiya mugomba asati afa.”
Jeremia 38:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Changamire wangu mambo, varume ava vaita chinhu chakaipa kwazvo pazvinhu zvose zvazvo zvavaita kuno muporofita Jeremiya nokumukanda kwavamuita mumugodhi. Jeremiya achafira imomo nenzara nokuti hapasisina kana chingwa chasara muguta muno.” Mambo ndokutuma Ebhedhimereki, munhu wokuItiopia achiti, “Chitora varume vatatu pano apa uende navo kundoburitsa muporofita Jeremiya mumugodhi macho asati afa.”
Jeremia 38:9-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ishe waŋgu mambo, ʋanhu aʋa ʋakaita ɀakaipa paɀose ɀaʋakaitira muprofita Jeremia, waʋakakandira mugomba; ɀino iye uneŋge ucafira panɀimbo iyo paari, nemhaka yenzara; nokuti hakucineciŋgwa muguta. Ipapo mambo akaraira muEtiopia Ebedi‐mereki, akati: Tora pano ʋanhu ʋanamakumi matatu, undoɓuɗisa muprofita Jeremia mugomba asati afa.
Jeremia 38:9-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)