Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 4:1-2 - Enzanisa Shanduro Dzose

Jeremia 4:1-2 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve, kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 BDSC

Jeremia 4:1-2 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvanzi naJehovha, “Kana muchida kudzoka, imi Isiraeri, kana muchida kudzokera kwandiri, kana muchida kubvisa zvinonyangadza zvenyu pamberi pangu, hamungafaniri henyu kudzungaira. Ipapo muchapika, muchiti, ‘NaJehovha mupenyu,’ nezvokwadi, nezvakarurama, nokururama; ipapo marudzi achazviropafadza maari, nokuzvirumbidza maari.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SNA2002

Jeremia 4:1-2 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀanzi naJehova: Kana muciɗa kudzoka, imi Israeri, kana muciɗa kudzokera kwandiri, kana muciɗa kubvisa ɀinonyaŋgadza ɀenyu pamberi paŋgu, hamuŋgafaniri henyu kudzuŋgaira. Ipapo mucapika, muciti: NaJehova mupenyu, neɀokwaɗi, neɀakarurama, nokururama; ipapo marudzi acaɀiropafadza maari, nokuɀirumbidza maari.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SUB1949

Jeremia 4:1-2 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zvanzi naTenzi “Iwe Isiraeri kana wafunga zvokudzoka, kwandiri ndokwaunofanira kudzokera. Kana ukabvisa pandiri pangu zvinondisemesa izvi usingaite mwoyo miviri uye kana ukapika uchiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu’ uchipika pachokwadi zviri pamwero chaipo zviri mukururama, ndudzi dzavanhu ndopadzichazviwanira zvikomborero pamusana pako; vachiwana mbiri pamusana pako.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SCLB

Jeremia 4:1-2 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvanzi naTenzi “Iwe Isiraeri kana wafunga zvokudzoka, kwandiri ndokwaunofanira kudzokera. Kana ukabvisa pandiri pangu zvinondisemesa izvi usingaite mwoyo miviri uye kana ukapika uchiti, ‘NaTenzi chaiye mupenyu’ uchipika pachokwadi zviri pamwero chaipo zviri mukururama, ndudzi dzavanhu ndopadzichazviwanira zvikomborero pamusana pako; vachiwana mbiri pamusana pako.”

Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SCLBD