Jeremia 4:22 - Enzanisa Shanduro Dzose
Jeremia 4:22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Vanhu vangu mapenzi; havandizivi ini. Vana vasina pfungwa; havanzwisisi. Vakangwarira kuita zvakaipa; havazivi kuita zvakanaka.”
Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 BDSCJeremia 4:22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vanhu vangu mapenzi, havandizivi; vakaita vana vamapenzi, vasina njere, vakachenjera pakuita zvakaipa, asi havane zivo pakuita zvakanaka.”
Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SNA2002Jeremia 4:22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ʋanhu ʋaŋgu mapenzi, haʋandiziʋi; ʋakaita ʋana ʋamapenzi, ʋasinenjere, ʋakacenjera pakuita ɀakaipa, asi haʋaneziʋo pakuita ɀakanaka.
Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SUB1949Jeremia 4:22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti, “Vanhu vangu mazungairwa, ini handivazivi, mazirema evana, havanzwisisi. Vanochamirira kuita zvakaipa asi kuita zvakanaka havamboziva.”
Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SCLBJeremia 4:22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
nokuti, “Vanhu vangu mazungairwa, ini handivazivi, mazirema evana, havanzwisisi. Vanochamirira kuita zvakaipa asi kuita zvakanaka havamboziva.”
Pakurirana nevamwe
Jeremia 4 SCLBD