Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 5:1 - Enzanisa Shanduro Dzose

Jeremia 5:1 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 5 BDSC

Jeremia 5:1 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 5 SNA2002

Jeremia 5:1 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mhanyai kwose‐kwose panzira dzomuguta reJerusarema, muʋone ɀino, muziʋe, mutȿake pamigwagwa mikuru yaro, kana muŋgawana munhu, kana ari’po, unoita ɀakarurama, unotȿaka ɀokwaɗi; ipapo ndicarikaŋganwira.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 5 SUB1949

Jeremia 5:1 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu mutarise muongorore. Tsvakurudzai mumisika yaro muone, kana mukawana mumwechete zvake anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi, ndiriregerere guta irori.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 5 SCLB

Jeremia 5:1 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu mutarise muongorore. Tsvakurudzai mumisika yaro muone, kana mukawana mumwechete zvake anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi, ndiriregerere guta irori.

Pakurirana nevamwe
Jeremia 5 SCLBD