Jeremia 5:31 - Enzanisa Shanduro Dzose
Jeremia 5:31 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?
Jeremia 5:31 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
vaporofita vanoporofita nhema, navapristi vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?
Jeremia 5:31 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
ʋaprofita ʋanoprofita nhema, naʋaprista ʋanoɓata ʋushe ʋacirairwa naʋo; asi ʋanhu ʋaŋgu ʋanofarira iɀoɀo; ɀino pakupedzisira kwaɀo mucaiteiko?
Jeremia 5:31 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
chokuti: vaporofita vari kuporofita zvenhema vapristiwo vachitonga vachingoita kuti zvivanakire. Vanhu vangu ndozvavari kutodawo zvakadaro izvozvo, asi muchaita sei kana kuguma kwazvosvika?”
Jeremia 5:31 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
chokuti: vaporofita vari kuporofita zvenhema vapristiwo vachitonga vachingoita kuti zvivanakire. Vanhu vangu ndozvavari kutodawo zvakadaro izvozvo, asi muchaita sei kana kuguma kwazvosvika?”