Johani 1:1-5
Johani 1:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pakutanga pakanga pane Shoko, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchikunda.
Johani 1:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Pakutanga Izwi rakanga riripo, Izwi rakanga riri kuna Mwari, Izwi rakanga riri Mwari. Irori pakutanga rakanga riri kuna Mwari. Zvinhu zvose zvakaitwa naye; kunze kwake hakuna kuitwa kunyange chinhu chimwe chakaitwa. Upenyu hwaiva maari; upenyu hwaiva chiedza chavanhu. Chiedza chinovhenekera murima; asi rima harina kugona kuchikunda.
Johani 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pakutanga Izwi akanga atovapo; Izwi iyeyo akanga ari pamwechete naMwari; Izwi akangawo ari Mwari. Kubvira pakutanga, iye akanga ari pamwechete naMwari. Zvinhu zvose zvakaitwa nemaari; hapana chisikwa chisina kusikwa naiye. Maari makanga muino upenyu; upenyu ihwohwo hwakanga huri chiedza chavanhu chiedza chinovhenekera murima uye rima harina kuchikurira.
Johani 1:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Pakutaŋga Shoko rakaŋga riri’po, Shoko rakaŋga riri kunaMŋari, Shoko rakaŋga riri Mŋari. Ireri pakutaŋga rakaŋga riri kunaMŋari. Ɀinhu ɀose ɀakaitwa naye; kunze kwake hakuna‐kuitwa kunyaŋge cinhu cimŋe cakaitwa. Ʋupenyu bgaiʋa maari; ʋupenyu bgaiʋa ciedza caʋanhu. Ciedza cinovenekera murima; asi rima harina‐kucikunda.
Johani 1:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)