Johani 10:12
Johani 10:12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muronzerwi, asiri mufudzi uye asiri muridzi wehwai akaona mhumhi ichiuya anosiya hwai dziya achitiza, mhumhi inobvuta hwai; dzimwe dzigoti mwanda kupararira.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 10Johani 10:12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushandi haasi iye mufudzi nomwene wamakwai. Saka paanoona bere richiuya, anosiya makwai obva atiza. Ipapo bere rinobata boka ramakwai uye roaparadzira.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 10Johani 10:12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Muranda, asati ari mufudzi wamakwai, makwai asati ari ake, anoti kana achiona bere richiuya, anosiya makwai, ndokutiza; bere rinoabvuta, nokuaparadza
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Johani 10