Johani 11:43-44
Johani 11:43-44 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, “Razaro, buda!” Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende.”
Johani 11:43-44 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akati areva izvozvo, akadanidzira nezwi guru, akati, “Razaro, buda!” Akanga afa akabuda, akapombwa makumbo namaoko nemicheka yomubwiro, nechiso chake chakapombwa nomucheka. Jesu akati kwavari, “Musunungurei, aende.”
Johani 11:43-44 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakataura izvi akazodaidzira nezwi guru achiti, “Razaro buda!” Mufi akabva abuda maoko ake namakumbo akamoneredzwa netumicheka uso hwake hwakanga hwakaputirwa nejira. Jesu akavati, “Musunungurei aende.”
Johani 11:43-44 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakati areʋa iɀoɀo, akaɗanidzira nenzwi guru, akati: Razaro, ɓuɗa! Wakaŋga afa akaɓuɗa, akapombga makumbo namaʋoko nemiceka yobgiro, neciso cake cakapombga nomuceka. Jesu akati kwaʋari: Mumusunuŋgurei, aende.