Johani 13:4-5
Johani 13:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
saka akasimuka pakudya, akabvisa nguo yake yokunze, uye akamonera tauro muchiuno chake. Shure kwaizvozvo, akadira mvura mudhishi akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, achidziomesa netauro rakanga rakamonerwa muchiuno chake.
Johani 13:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akasimuka pakurayira, akabvisa nguo dzake, akatora mucheka, akazvisunga chiuno. Zvino akadira mvura mumudziyo, akatanga kushambidza tsoka dzavadzidzi vake, akadzipukuta nomucheka, waakanga akazvisunga nawo.
Johani 13:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo akasimuka pakudya akabvisa hanzu yake yepamusoro ndokumonera tauro muchiuno. Akadira mvura mudhishi akatangisa kushambidza tsoka dzavadzidzi achidzipukuta netauro riya raakanga akazvimonera naro.
Johani 13:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno. Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo.